Zvishoma nezvishoma ndakanangako

Ndiri kufamba nhanho zvishoma nezvishoma
Ndakananga kuzvido zvewakandida
Kundirambidza kutuka vanondituka
Kusvora vanondisvora
Kumhura vanondimhura
Kunyeya vanondinyeya
Ndiri kukanda nhanho zvishoma zvishoma
Ndakananga kuzadzisa zvido zvake
Iye akandisarudza muchaunga
Zviya ndisingazivi
Akandirambidza kuterera manyepo
Kupedzera nguva kudzeya zvenhando
Ndichisiya kufara
Handina hanya nazvo
Ndakapiwa chipo
Kwete chekuvhima vanhu
Asika mazwi azere nerudado
Kutevera kunaka kweakandida
Iwe unondikoka kugumbuka hausvodi
Kusanyara kwako
Sei usingadi rufaro?
Handina hanya newe
Ndinoita kuda kweakandida
Sara nokusasimira kwako!

Comments

Popular Posts