Ko anga akagungwazve imi!

Kutatarika kwacho ungati svichongwe svinotanda sheche Kuzoti guruva racho parubhachi runenge guru ren'ombe yafa nechigwadara Tangomutarisa isu achikanda zvibhakera mumhepo Kushaya kuti ndiyani waari kurwa naye Vamwe ndivo vange vongoseka zvavo hanzi kuguta Ko akabvira zvino herevo Vamwe vange voroverenga maawa aakapedza achihukasvira Hanzi atove nemaawa makumi mana nemamatatu Waitiwo ukamutarisa waimbaona kukatara netsinga kuti tare tare neshaya Hameno kana vanga vachireva chokwadi Kana nesimba rokukanda zvibhakera zvacho chero kufumha nhunzi zvaisaita Yaisatombonzwa hayo kuti pane chaitika Kudai yaiseka semunhu, zvokwadi aisekwa achiona! Vamwe ndivo vanga vachingoti, ko kuzorora zvinodii Iyo shasha ichienderera mberi nekusahaya zano Ichingosheedzera ndine zano rangu, kuda kumisa zano rangu mumwe ndichamu! Tazvisiya zvakadaro isu! Kana kwazvavata hakuna unoziva izvozvi.

Comments

Popular Posts