Mirau yekunonga bhowa

Nemanakire abhwo bhwowa ibhwobhwu handizivi zita rabhwo. Zvakadaro Bhowa habhwusi bhose bhunodyiwa uye habhwusi bhwose bhwunodyiwa bhwunodyiwa zvekare. Kuti bhwowa bhwudyiwe bhwunofanira kunge bhwuri panzvimbo yakanaka isina muchetura uye bhwakamera pasina bundo kana midzi yemiti inoburisa muchetura unouraya vanhu.

Vazhinji vanoti kuti uzive kuti ubhwu bhwowa bhwodyiwa bhwunofanira kunge bhwuchidyiwa nezvipukanana. Kana pasina kana chikukanana chimwe zvacho chobhwun'en'a woziva habhwudyiwi. Asi zvakakosha kuziva kuti kune imwe michetura inodyiwa nezvipukanana naizvozvo mukabhwudya nekuti bhwadyiwa nezvipukanana munoirosva. Chakakosha kudya bhwowa bhwaunoziva kwabhwabva kuti hapana njodzi here. Musadye kana kutema bhwowa bhwepasi pemupuranga kana kuti mugamutirii. Bhwovuraya vanhu.

Tinashe Muchuri (C) 2019

Comments

Popular Posts