Mudondo rekwaMutatiri KwaZimuto

Zvinofadza kufamba uchiwana ruzivo rutsva. Regai vachenjeri vekare vakati chitsva chiri murutsoka. Vainge vaongorora vakaona zvokwadi kuti chitsva chiri murutsoka rwechokwadi. Kekutanga kusvika kumapani ekuZimuto nzvimbo isina makomo anoonekera asi wati iwo mapani kanhi nezvikomo zvidiki zvine michero inozipa. Kekutanga ndakadyawo tsvoritsvoto nembambara idzo ndainge ndajairawo kudya tiri kwedu kuZaka.
Mukubvu uri kufurura maruva

Musabwarabwabwa wave nemichero

Mbambara dzave kuibva


Chakata dzichiri kutanga

Mutobwe uri kufurura maruva


Mutobwe une michero

Michero yegavakava yaoma



Tsoritsvoto dzaibva 

Matamba mumutamba

Munzviru wave nenzviru






       (c) Tinashe Muchuri 2017 02 04

Comments

Post a Comment

Popular Posts