Chibarabada chave kuwanikwa kuNational Gallery of Zimbabwe

Kune vaverengi vanoda kuverenga Chibarabada, chave kuwanikwa kuNational Gallery of Zimbabwe muHarare muguta pamwe naipekutengesera pavo panowanikwa paHarare International Airport. Wanai mukana wekuzvitengera, nekuzviverengera nyaya yenyu Chibarabada.

blurb:  Dai uri mumwe, dai waverenga zvako bhuku rino. Chibarabada chaTinashe Muchuri chinoendesa mberi-mberi chaizvo novhero reZimbabwe. Chinotangira panoperera mamwe manovhero eZimbabwe atinoziva. Chinodzika chaizvo nenyaya yaShingi neyaFreedom neyako neyangu. Chibarabada chauri kubvunza, chinwiwa chinobikwa muchivande chozongobudiswa panguva yokunwa. Chibarabada chinoona zuva musi wekupedzisira. Unoona vanhu vopukuta miromo nekunze kweruoko vachitaura kunge vange vaina tateguru nezuro manheru. Nyaya yavari kutaura ndeyokuti tiri kungotenderera. Tiri kutenderera nekufashaira mudumbu rechibarabada nokuti kwatakabva kune nyaya. Kana kwatinoenda kune nyaya zvakare! Saka tinoramba tichitenderera nokuti nyangwe kuzorora kunotityisa. Unozorora sei usati wawana mhinduro nedonhodzo? Ngatirambe tichitenderera nokuti pamwe tingaone nzira yokubuda nayo mubotso ratiri kutamba kudai. Dambudziko redu ndere nhafu, kuba nekungoramba kunzwa mirairo yakanaka yepasi rino. 
Chibarabada chaTinashe Muchuri itambo inoradanuka pabhobhiri. Pamwe – rungano rwatsuro nagudo. Pamwe-rwiyo rwepasichigare. Pamwe-kakova kaunonzwa kachirira murima kachirovera pamatombo kachifashuka kachidzika kugungwa isu tichisara tine nyota. Pamwe-ibembera rinoita kuti umbocheuka kuti: hapana here andiona ndichiverenga Chibarabada? Verenga chete nokuti ndiro basa rasara… Verenga! Usacheme!

Vanoda makopi vanogona kubata munyori, Tinashe Muchuri pa:
                                                                               Mobile: +263 78 288 3203 kana +263 73 3384 3455
                                                                               email: rwaamai@gmail.com
                                                                               facebook: Tinashe Muchuri

Comments

Popular Posts