Kumusha



Ndinogarofungisisa zvikuru nguva yose pandinonzwa vanhu vachitaura nezvekumusha. Hondo iri mudundundu mangu ndeyekuti vanonatsonzwisisa here nezvenyaya yeshoko rekumusha. Hongu kumusha izwi rinoreva zvizhinji. 

Kumusha ndiko kuyaka kwakasara rukuvhute kune vamwe vazhinji vakabvako vachizoenda kundogara kumarimuka uko kwavakaenda kundoshava. Rukuvhute parunosiiwa nemambuya paya ndiko kunonzi kumusha. Unonzwa zvichinzi mwana abarwa zviya musarasa rukuvhute rwake Mbuya vake vasina kusvika. Zvine mwero wazvo nemuitirwo wazvo zvokurasa rukuvhute. Hongu mumadhorobha marukuvhute evamwe vana ava kudya kwehove dzemunzizi dzakatenderedza guta;  mamwe ava kuraswa kurhabu remadhorobha sezvo vanamai vevana vachiakanda mudurunhuru kuti panouya vanamadhobhabhini vatakure vachienda nawo; mamwewo ndiwo ava kuiswa muzvimbuzi otakurwa nembombi dzinorasa tsvina. Nemisayano yemarasirwe erukuvhute zvinogona kunetsa kunzwisisa kuti kana zvichinzi kumusha ndiko kune rukuvhute zvinoreva chii? Asiwo vamwe vari mumadhorobha vanoti kana rwadonha vanoruchengeta vozonorurasa kumusha vachitevedzera dzidziso yavakuru vavo, kunyanyanya yambuya vemuzukuru.

Kumusha ndiko kuya kune dzinza remunhu, kunova ndiko kwakatangira dzinza kwarine umambo. Kazhinji kwaunonzwa uchibvunza munhu kuti unobvepi oti, “Ndinobva kuMalawi” asi iye akazvarirwa nekukurira muZimbabwe. Umwe unonzwa oti, ‘ndinobva kuChipinge asi takatamira kwaChivi’. Izvi zvinonongedza kuti kumusha ndiko kwakatanga rudzi kana kuti munhu kwaane dziko redzinza rake. 

Kumusha kunoreva zvakare nzvimbo inonzi ndiyo inogarwa nemunhu nekusingaperi. Nzvimbo yekuti munhu anogona kubva kwairi achidzokera zvakare. Iyi nzvimbo inodaidzwa nekuti kumusha. Vamwe vangati mudhorobha ndimo mumusha mavo asi hapana kana zuva rimwe rakamboti munhu apedza kushanda basa kwava kuti, ‘vakomana kana vasikana toonana mangwana, regai ndimboenda kumusha’. Unonzwa achitaura nyaya yekuti, ‘regai tiende kudzimba’ kana kuti, ‘kumba’. Kureva kuti mudhorobha tinogara kumba asi hakusiko kumusha kwedu. Tine misha yedu. Misha yedu iri kunze kwedhorobha. Kunze kwedhorobha uko kunova ndiko kune dzinza redu.

Kumusha zvinoreva zvakare kuti ndiko kwatichagara nekusingaperi kana nguva yedu yekutandara pane rino dandaro yaguma. Uku ndiko kuya kunonzi bwiro, guva kana kuti rinda. Unonzwa vanhu vachibvunzana kuti, ‘ko musha wake uripi?’ Uku ndiko kumusha kwemunhu wese. Izvi zvakazoita kuti makare vamwe vazoimba kaiti, “Ndondovigwepi? Kambuzuma handidi, Ini ndoenda kumusha’. Tadzoka zvakare panyaya iya yekuti kumusha ndiko kwakabviwa munhu achiuya mudhorobha kuzoshava. Kunoshaviwa hakusi kumusha asi kune imba yekugara kwete kuzororo nekusingagumi.

Kuenda kumusha ndiko kuenda kunopota uchisora pachazova nemusha wako kana uchinge wazodzama. Zviya kana wadzama unonzwa veukama vachibvunzana kuti ko, ‘hapana akaudzwa kuti mufi akati anoda kuradzikwa papi here?’ Izvozvo vanenge vave kutsvaka pekukuradzika paya paunogara nekusingaperi. Kumusha kwako.
Mucherechedzo iwoyu wakakosha zvikuru wekumusha. Kana zviya magamba enyika ave kuda kuradzikwa unoona vachitanga vaendeswa kumusha kwavo. Hazvineyi kuti tumba twepamusha pacho twakaita sei?  Vanoendwa navo kumusha kuti vandoenekana nevamwe vakatungamira kuti ini handisi kuzorara mumutunhu muno, ndichanorara uko kwandaishava ndiri. Asi zvakadaro vanenge vambosvika kumusha imwe nguva zvokutondosiyako hope. 

Ndizvo zvinorovesa hana yangu pose pandinonzwa vanhu vachiti, ‘ndichamboenda kumusha, nokuti vamwe vacho havadzoki kuzotandara nesu vadzamira munzira vachienda kana vachidzoka kubva kumusha. Asizve nzira yekuenda kumusha hakuna anoziva painogumira.    

Comments

Popular Posts