Mabasa aJoromiyo



Ndaiva naJoromiyo tichienda zvedu kuMasvingo nedutavanhu. Dutavanhu rakasumuka kubva pambudzi vanhu vatenga mabhanana, maepuro, maranjisi, zvimwiwa zvemuto wemaranjisi, mandimu, mazambiringa uye zvokudyira zvinenge maputi, majigisi nemabhanzi. Ini naJoromiyo takatengawo maranjisi, mabhanana nemaepuro. Takazviputirirwa mupepa. Dutavanhu vanhu richingoti sumu kubva paMbudzi vanhu vakatanga kudya zvokudya zvavo pamwe nekunwa zvimwiwa zvavo. Vaiita kunge mombe dzavhurirwa danga mushure mekunonokerwa apo mupfudzi ange ari kumaricho nedzimwe dzadzo.
Tichingoyambuka Hunyani vamwe ambuya vakavhura fafitera redutavanhu ndokukanda marara ebhanana ravange vapedza kudya. Havana kana kumboritsa musoro wavo kuti vaone kuti kumashure kwedutavanhu kwainge kusina chiri kuuhya here. Vakanda kudaro vakabva vaenderera mberi nokudya rimwe bhanana sekunge painge pasina chaitika. Joromiyo azviona akandichonya neziso. Ndakamumusvunurira rangu ndichida kumuvharisa muromo wake usingashungi. Ndaiziva kuti nyaya dzemudutavanhu dzimwe dzinopedzisira dzosembura munhu wedemba kuti chandafambira zvangu neshasha dzisingashungi namashoko.
Patakayambuka Mupfure umwe mudhara akakanda chinhava chepepa chainge chakaputira marara ake murwizi. Joromiyo ndakaona asumuka. Ndakasumuka ndichida kumugadzika pasi. Iye akandivhizura ndokundisiya ndichiwira pachigaro changu.
“Handisi kuzorova munhu pano. Ndinoda kuudza vanhu kuti vazive hunhu. Vave netsanana kwete hutsvina hwavari kuita uhu,” akadaro Joromiyo achifamba nekamukoto kepakati pedutavanhu. Hapana akamudaira. Vanhu vose vakati ziro. Iye ndokutoti mazviita.
“Imi vanhu vari muno mudutavanhu makaita sei? Munofaraka kana muchiona marara enyu amunokanda mumativi emugwagwa pamwe nemumvura sezvaita mudhara uyo.” Hapana akamupindura. Vanhu vakaramba vanyerere. Ini ndainge ndabata hana yangu mumaoko. Ndaityira kuti panogona kuwana umwe anotenga nyaya yemudhara pakakandiranwa zvimbokoma.
“Zvino ndoda kuti muzive chinhu ichi kubva nhasi izvozvi. Pose pamunokwira madutavanhu munenge mune kudya kwenyu kweparwendo, hazvina kushata. Zvinozivikanwa kuti vanhu tine hurwere hwakasiyanasiyana. Hurwere hunoda kuti tiwane kudya kwakasiyanasiyana. Vamwe vedu tine mapiritsi atinofanira kunwa atisingagoni kunwa kana tisina kutanga tadya chimwe chinhu. Hazvina kushata izvozvo. Tinoda kufarira upenyu hwenyu.
“Nyaya yangu iri apa pokurasha marara nepamafafitera. Hazvina hunhu. Kana zvirizvo zvamanga muchiita handisi kukutukai. Ndinoda kukudzidzisai hunhu imi vanhu muri muno mudutavanhu. Handina andinovenga munhu souyo anorasha marara pesepese kunyanyanyanya avo vanorasa marara vari mudutavanhu. Ava ndinovanengera nyaya yekuti vanogona kusakisa tsaona. Tsaona inotora upenyu hwavanhu. Ndiyani anoda kufirwa nekuda kwesakiso yakapusa kudaro? (Vanhu vanongogumira mukutarirana voramba vanyerere.) Zvakadaro, ikasasakisa tsaona, kuwanda kwamarara munzvimbo kunoumba ugaro hwakanaka hwehumhutu uho hunozosvetaropa ravanhu huchisakisa zvirwere zvemarariya kanawo matendere ekuberekerwa kwenhunzi dzinozotakura manyoka nekuaparadzira. Zvose izvozvo zvasakiswa newe nekuti watadza kuchengeta rara rako kuti urirasire mugomba kana panzvimbo yakakodzera. Ndizvo zvandisumudza izvozvo. Ndinoda kukuudzai kusvika maziva. Mumwe nemumwe atenga muchero ngaasumudze kapepanhava kake. Sumudza tione munhu wese. Handisi kuseka ndati munhu wese sumudza kapepanhava kako. (Vanhu vose vakasumudza.) Umwe noumwe atenga muchero akadya muchero, kubva nhasi dzidzira kuisa marara ako imomo mukapepanhava kako ikako. Wazvinzwaka. Chiisa marara ako imomo. Kana woburuka woburuka namarara ako womakanda mugomba kana mubinhi. Kana madaro munenge magona.
“I kondakaita, pose paunokwidza vanhu mudutavanhu rako, unofanira kutaurira munhu wese kuti hakurashwi marara nepafafitera. Hakurashwi marara wazvinzwa here. Uudze vanhu vose vazive kuti marara haarashirwi pesepese. Chete hamuna vanoita nezvekucheneswa kwenharaunda mudutavanhu rino, ingadai ndavaudza kuti varovedzere imi vanakondakita kuti muudze vanhu vasarasa marara napafafitera. Asi mandinzwa mose. Kana murimo muno musingadi kubuda pachena kana madzokera kumabasa enyu mundoita zvandakuudzai.
Right, iye zvino munhu wese ari muno chiti, ndapfidza(vanhu vose vakatevedzera). Handicharasi marara napafafitera (vakatevedzerazve). Marara mubhini, (vakaitazve saizvozvo). Adaro Joromiyo akabva adzoka kuzogara pandaiva. Pandakada kuti nditaure naye ndokubva anditi, “Shanduko haiunzwi navakawanda. Inoda munhu mumwe chete ane chivindi chekumira. Izvozvi vandadzidzisa muno vachandodzidzisawo vamwe mberi. Nyika inochena kana tikadai seizvi.”  

Comments

Popular Posts