Mabasa emuromo

Taivepo pavaitaura nezvemabasa emaoko
vachiapembedza saiwo asumudzirisa upfumi hwenyika
isu chedu kwaingova kuterera vachireva
kuvati ko isu vamabasa emiromo matikanganwasu
ivo ziro vakadaro
isu ndokuti remuromo harivhikwi
mubvunzo ndokuramba tosusukidza
ivo rambei vanongoreva mabasa amaoko
isu ndokuti zvamunoaita mabasa amaoko
nzeve munenge makaisa kupi?
zvikanzi tinenge tichiterera zvedu mimhanzi navashamarari
isu ndokuti zvino seiwo musingarevi mabasa emuromo
nhepfenyuro ingamira here kana asipo?
kana iyo nyika ingararama murunyararo here kana asipo?
kuzoti iwo mabiko nemisangano kungabuda zvisvinu here kana asipo?
ndivo tuau vakadaro neremuromo vasina
ndipowo pavakazofunga kuti kana hurombe hapana
chiripo upfumi hwakapfuma uchenjeri
kana mandiona ndimire mudariro ndichiita zvapachikuva
pamunopururudza zviya ndatema matama ehuchenjeri
omberai muchiziva muri kupembedza mabasa emuromo
ndiwoka mabasa em uromo akapa Dembo mukurumbira pasi rose
ndiwaya mabasa emuromo atenderedza Albert Nyathi kusvika nekokoko
rovai maoko iwayo amunoti ndiwo ane basa kupembedza mabasa emuromo
kana aitwa namakumbo anodzana pasi kusvika ratuguka guruva kupedza mabasa emuromo
muromo unoitsenhura mheterwa nemhururu kupedzawo mabasa amaoko neemakumbo
zvose wova mubatanidzwa wekugona basa
saka musazoti hamuzivi mabasa emuromo
handikudya, kutuka, kuseka, kushora, kumhura, kuzvidza,
mabasa emuromo kuvaka mufaro nekutesva utosvo
kurumbidza nokutsiura
kufadza nekuvaraidza
kuveza mashoko ehuchenjeri nekuvaka ukama

Comments

Popular Posts