Vazhinji vevanyori vakawana ruremekedzo rweNAMA kubva 2002-2017
Memory Chirere na Collette Mutangadura vari paZIBF Indaba mugore ra2015. Mufanikiso naTinashe Muchuri. |
Vanyori vakaremekedzwa neNAMA kubva 2002-2017
Aya ndiwo
mabhuku pamwe nevanyori akaita mukujrumbira wekupiwa mibairo kubva zvatanga
hurongwa hweNational Arts Merit Awards (NAMA) mugore ra2002.
NAMA ruremekedzo
runopiwa nesangano reNational Arts Council of Zimbabwe iro riri pasi pebazi
reMinistry of Youths, Sports, Arts and Recreation. Sangano iri iro rinoona
nezvekutevedzwa kwemutemo mundima yeudavadi rinongotamatama
richingosundwasundwa kubva mumapazi akasiyanasiyana. Raimbova mubazi reMinistry
of Primary and Secondary Education, rikambopinda mubazi reMinistry of Rural
Development, Arts and Culture pakati pemamwe. Uyewo vadavadi nekusiyana
kwehumhizha hwavo vanowanikwa vachipinda mumapazi akasiyanasiyana kufanana
nereMinistry of Home Affairs and Culture, Ministry of Primary and Secondary
Education, Ministry of Agriculture, Ministry of Information, media and
broadcasting services.
Ruremekedzo
rweNAMA rwakarongwa senzira yekupa ruremekedzo avo vadavadi vanenga varatidza
kushandisa zvipo zvavo nemhando yepamusoro kudarika vamwe mumwaka wega wega.
Mwaka weNAMA unotanga musi wa1 Zvita wegore rinenge rapfuura kusvika musi wa30
Mbudzi wegore rinotevera asi mabiko ekutambidza ruremekedzo urwu inoitwa muna
Kukadzi wegore retatu. Semuenzaniso, iye zvino basa richange richitarirwa
nderekubva musi wa1 Zvita, 2017 kusvika 30 Mbudzi, 2018 uye mabiko oitwa muna
Kukadzi wa2019.
NAMA inopa
ruremekedzo mumapoka masere anoti rehunyanduri, reuvaranomwe, mitambo
yekuedzesera, rekudzana, rekutara mifananidzo nehuvezwa, remafirimu nezvinobuda
paterevhizheni, revanyori venhau dzehudavadi, remimhanzi uye rehusarudzwa
vakaremekedzeka.
Chinyorwa chino
chakanangana nevanyori vakawana turemekedzo rweNAMA kubvira 2002 uye zvinyorwa
zvakaita kuti vawane kuremekedzwa kwakakosha munyika uku.
Muboka revanyori
kunopiwa mibairo mitatu inoti akabudirira kunyora bhuku revana vadiki,
akabudirira kunyora bhuku rekutanga rakatsikiswa zviine hunzyanzvi uye akanyora
bhuku reuvaranomwe zvinomwisa mvura.
Zvisinei hazvo,
mugore ra2002 kwaiva nezvikamu zvakati wandei izvo zvairemekedzwa muboka
rezvinyorwa zvaiti; Akabudirira kunyora
bhuku mune chero rurimi rwupi munyika, basa rekutanga rakaisvonaka, Bhuku
rrakarwa mifananidzo yakaisvonaka, Uvaranomwe hwevabva zera uye chinyorwa
chetsvakurudzo chine batsiro kunyika.
Izvi
zvakazosandurwa mugore rechina panama ya2005 apo kwazosiiwa zvikamu zvitatu
zvinova ndizvo zvichiri kuremekedzwa kusvika nanhasi uno kwabviswa yebhuku
rakatarwa mifananidzo yakaisvonaka nechikamu chezvetsvagurudzo.
Iri pazasi apo
ndiyo donongodzo yevanyori vakapiwa ruremekedzo rweNational Arts Coucil of
Zimbabwe National Arts Merit Awards kubva NAMA yekutanga muna 2002 kusvika
muNAMA yegumi nenomwe.
Vakaremekedzwa muNAMA yegumi
nechishanu (2018)
Bhuku
reuvaranomwe remhando yepamusoro - Survivors
Café naStanley Mushava (Underclass Books & Films)
Vakaremekedzwa muNAMA yegumi
nechishanu (2017)
VaBhuku
reuvaranomwe rekutanga remhando yepamusoro - Behind the Wall Everywhere naFarai Mungoshi (Mungoshi Press)
Bhuku
revana remhando yepamusoro -The
Unwelcome Visitor naFarai Nyandoro (Jomo
Kenyatta Foundation)
Bhuku
reuvaranomwe remhando yepamusoro - Whose Land is it Anyway naBenjamin S. Sibanda (APG)
Vakaremekedzwa muNAMA yegumi
nechishanu (2016)
Bhuku
reuvaranomwe rekutanga remhando yepamusoro -Chaotic naSamantha
Chihuri (Ess
Tee Publications)
Bhuku
revana remhando yepamusoro -Tsuro naGudo: Misi yese Haifanani naDaniel Mutendi and Wilbur Kandiero (DanTs Media Publishing)
Bhuku
reuvaranomwe remhando yepamusoro -Textures naJohn Eppel & Togara Muzanenhamo (Amabooks)
Vakaremekedzwa muNAMA yegumi
nechina(2015)
Bhuku reuvaranomwe rekutanga remhando
yepamusoro -Shards naCynthia
Marangwanda (LAN Readers )
Bhuku revana remhando yepamusoro - Around the fire folktales of
Zimbabwe naRaisedon Baya naChristopher
Mlalazi (ED,)
Bhuku reuvaranomwe remhando yepamusoro -
Bhuku
risina basa nekuti rakanyorwa masikati naMemory Chirere (Bhabhu Books)
Vakaremekedzwa muNAMA yegumi nechitatu (2014)
Bhuku reuvaranomwe rekutanga remhando yepamusoro – Zviwiravanhu
naTinomutenda Mpofu (College Press)
Bhuku revana remhando yepamusoro – The River god Unyaminyami naFortune Tazvivinga, (Art and Ceramics Publishers)
Bhuku reuvaranomwe remhando yepamusoro - Imbwa Yemunhu naIgnatius Mabasa (Bhabu Books) – Branching Streams runs in the shadow (Mungoshi Press)
Bhuku revana remhando yepamusoro – The River god Unyaminyami naFortune Tazvivinga, (Art and Ceramics Publishers)
Bhuku reuvaranomwe remhando yepamusoro - Imbwa Yemunhu naIgnatius Mabasa (Bhabu Books) – Branching Streams runs in the shadow (Mungoshi Press)
Vanyori vakaremekedzwa muNAMA yegumi nechiviri
(2013)
Bhuku reuvaranomwe remhando yepamusoro –
Taking the Lead naSibongile Mnkandla
()
Bhuku revana remhando yepamusoro - My daughter naAlbert Nyathi,
Bhuku reuvaranomwe rekutanga remhando
yepamusoro - Once a lover always a fool
naPhilani Amadeus Nyoni ()
Vakaremekedzwa muNAMA yechigumi neimwe (2012)
Bhuku
reuvaranomwe rekutanga remhando yepamusoro - The African Tea Cosy naViolet Masilo (Zimbabwe Women Writers)
Bhuku
revana remhando yepamusoro - Tindo’s
Quest naShimmer Chinodya (Consultus Publishing Services)
Bhuku
reuvaranomwe rekutanga remhando yepamusoro - Lazaruses And Divases naWellingtone
Kusema (Heritage Poetry Classics)
Vakaremekedzwa muNAMA yechigumi
(2011)
Bhuku revana remhando yepamusoro - Toriro
and his goats naMemory
Chirere (Lion Press)
Bhuku reuvaranomwe rekutanga remhando
yepamusoro – A fine
madness naMashingaidze Gomo (Ayebia Clarke Publishing)
Vakaremekedzwa muNAMA yechipfumbamwe
(2010)
Bhuku
reuvaranomwe remhando yepamusoro - The
Fading Sun naDavid Mungoshi (Lion
Press)
Bhuku
revana remhando yepamusoro - The
Man, Shaggy Leopard and the Jackal naIgnatius T Mabasa (Lion Press)
Bhuku
reuvaranomwe rekutanga remhando yepamusoro - Harare
North by Brian Chikwava (Editions Zoe)
Vakaremekedzwa muNAMA yechisere
(2009)
Bhuku revana remhando yepamusoro - Tudikidiki naMemory Chirere (Priority Projects)
Bhuku reuvaranomwe rekutanga remhando
yepamusoro - Dancing with Life: Tales
from the Township naChristopher Mlalazi (Amabooks)
Bhuku reuvaranomwe remhando yepamusoro - Ndafa Here? naIgnatius Mabasa (College Press)
Vakaremekedzwa muNAMA yechinomwe
(2008)
Bhuku revana remhando yepamusoro - The Woodcutter naEnock Chihombori (Lleemon Publishers)
Bhuku reuvaranomwe remhando
yepamusoro - The Uncertainty of Hope
naValerie Tagwira (Weaver Press)
Bhuku reuvaranomwe rekutanga remhando
yepamusoro – Coming Home naOlley Tsino Maruma (Gonamombe Press)
Vakaremekedzwa muNAMA yechitanhatu (2007)
Bhuku reuvaranomwe remhando
yepamusoro - strife by shimmer chinodya
Bhuku revana remhando yepamusoro -buffy the buffalo by john kapuya
Bhuku reuvaranomwe rekutanga remhando
yepamusoro -The Haunted Trail by Phillip
Chidavaenzi
Vakaremekedzwa muNAMA yechihhanu
(2006)
Bhuku revana remhando yepamusoro -Isigwebo Sikampisi naBernard Ndlovu
Bhuku reuvaranomwe remhando yepamusoro -Totanga Patsva naMemory Chirere (ED,)
Bhuku reuvaranomwe rekutanga remhando yepamusoro
-Sonatas naDeon Marcus
Vakaremekedzwa muNAMA yechina (2005)
Bhuku reuvaranomwe remhando yepamusoro
- Masimba naChiedza Musengezi(Ed.)
Bhuku revana remhando yepamusoro-Dream of Stones naChief K. Masimba
Biriwasha
-UMvundla Uqila UNdlovu naBernard D.
Ndlovu
Bhuku rekutanga kutsikiswa remhando yepamusoro - Ndozviudza Aniko? by Farai Nyandoro Vakaremekedzwa muNAMA yechitatu (2004)
Bhuku reuvaranomwe rekutanga remhando- Noma Kanjani Kayiphele Linto! naBekithemba Ncube
Bhuku revana remhando - Anani the Albino Boy naStephen Alumenda
Bhuku rekutanga remhando -Muchareva naTevengwa Machekano Nhongo
Tsvagurudzo yemhando -Women
in Prison - A Tragedy of Life naChiedza Musengezi & Irene Staunton (Eds.)
Vakaremekedwa muNAMA yechipiri (2003)
Bhuku revadiki nevachangobva zera remhando-
Ndabezinhle Sigogo
Bhuku rakatarwa mifananidzo yemhando -
Mashet Ndlovu
Basa rakanyorwa zvemhando - Dr Yvonne Vera
Vakaremekedzwa muNAMA yekutanga (2002)
Chinyorwa chemhando muneipi ndimi - Umsebenzi
Kawukho naN.C.G.Mathema
Chinyongwa chekutanga chemhando - Rufaro’s Day naBlessing Musariri
Bhuku rakatarwa mifananidzo yemhando
makore 0-8 - Rufaro’s Day naBlessing
Musariri
Bhuku revadiki nevachangobva zera
remhando - The Girl Who Could’nt Dance
naStephen Alumenda
Mutsvagurudzi wezvetsika nemagariro
wemhando - Duramazwi Guru Rechishona/
Traditional Ceremonies of Amandebele - By ARLI
naTinashe Muchuri, 2018
Comments
Post a Comment