Tizive mhuka nevana vadzo
Kwenguva refu ndinogara ndichivhunzwa nevanhu vazhinji pamusoro pevana vemhuka. Kazhinji kacho vanenge vachida kubatsirwa kuziva vana vemhuka dikidiki pamwe nedzimwe dzakati kurei idzo vanenge vasingazivi. Ndakaona zvakanaka kuti ndiunganidze ruzivo urwu kuitira kubatsira vaya vanenge vachiruda kuti varuwane ipo pano.
Saka izvo zvinotevera pasi ndizvo zvandakawana mutsvakurudzo yangu. Ndichangoisa chete idzo mhuka dzine vana vandiri kunyanya kuvhunzwa navabereki pamusoro pekuti vawane kubatsira vana vavo pabasa ravo ravanenge vapiwa kuchikoro kuti variitire kumba.
Kana zvakubatsira udzawo vamwe vari pedyo newe vabatsirike.
Mhuka Mwana

Bere taona
Bimha
tsvana
Datya/Dacha/Dafi/Chura/Danja/jedye burungwa/burunya/burunyu/buruuru/
buruwuru/jichimbochimbo/Zunguzurwa
Dongi/dhongwi/hagadha/Mbongoro chidhongwana/chidhongi/chitopera/
dhongwana/mubheme
Gava Habwana
Gubwe/pfuri nhowa
Gudo chiya/chimombana/jehwa/jembwa/ruchiya/
ushiye/svambara
Hove dakate/rereza
Hungubwe habwana
Hwai/gwai bwizana/gwayana/hwayana/pwizana/shere/nyenye
Inda
gadzanda/rakadzi
Jakarasi
habwana
Mbeva
manditeya/tikinya
Mhashu bwairani/uyani
Mhofu
mhuru
Mhumhi
handa
Mombe/n’ombe
mhuru
Mvuu handachubvuwa
Ngongoni
mhuru
Nguruve/hochi/fondo chigwihi/humbanana
Nhiriri chidarimbo/chidharimbo
Nhoro mhuru
Nhunzi honye/mapere
Njiri
chinjerere/chinjerete
Nyati
mhuru
Rwaivhi/hahavhe/njaivhana mandishaya
Shoko/tsoko
maidei/shokorama
Soma/tsoma hwishu/gurukuru
Zvaunganidzwa naTinashe Muchuri. Munogona kumubata pawhatsapp +263 782 883 203
Keep up the good work
ReplyDeleteKo wemvuu
ReplyDeleteGood work
ReplyDelete