Vadavadi vopinda muzvidzidzo zvemabhizimisi neZimtrade

Thelma Botriech naTariro Chigango vadabadi mundima yekuruka nekudhinda machira. Mufananidzo naTinashe Muchuri


Vadavadi vanosvika zana vari kupinda muzvidzidzo zvemabhizimisi muguta reHarare muhurongwa hwavarongerwa nebazi reMinistry of Youths, Sports, Arts and Recreation rakabatana nesangano rinosimudzirana kutengeserana munyika nekunze reZimtrade munzvimbo yeNational Gallery of Zimbabwe.




Nikolina Kobali nyanzvi mukushambadzira padandemutande achitungamira zvidzidzo. Mufananidzo naTinashe Muchuri.


Zvidzidzo izvo zvichatora mazuva maviri anoti 17 na18 Gunyana zvichiguma nekupiwa kwezvitupa zveavo vose vakwanisa kupinda muzvidzidzo izvi izvo zvakananga nekusimbisa kushandiswa kwesoshomedhiya senzira yekusimudzira mabasa ehudavadi huri kufambiswa nedingindira rinoti, rokuti kuvakurudzwa kwemabhimisi evadavadi.



Vamwe vevadavadi vari pazvidzidzo zvemabhimisi izvi. Mufananidzo naTinashe Muchuri.




Zvidzidzo izvi zvakanangana nekusimbisa ruzivo rwavadavadi nezvemisika iripo yekutengesera uye hwaro hwematengesero eshavo dzavo, kusimbisa gadziriro mundima yezvehudavadi, kuratidzira nzira dzokushandisa soshomedhiya uye kupa nzwisiso kuvadavadi kuti vatambire kukosha kwekushandisa soshomedhiya senzira yekuzvishambadzira pamwe nekushambadzira mabasa avo.


Achitura pakuvhurwa kwezvidzidzo izvi, Dhairekita weNational Gallery, Doreen Sibanda akurudzira vadavadi kubatana achiti zvidzidzo izvi zvauya nguva yakanaka apo zvakakosha kuti vadavadi vanosanganisira vatari vemifananidzo, mavezabwe, vaimbi, vadzani, vanyori, vananyanduri, nevamwe vose vaite mibatirapamwe pakutaura nyaya yeZimbabwe sezvo mukubatirana pamwechete kune pundutso uye simba guru rekusvitsa shoko kuvanhu zvakanaka.


© Tinashe Muchuri, 2018

Comments

Popular Posts