Vanyori veuvaranomwe vakadomwa muhurongwa hweruremekedzo rweNAMA 2020 Vakaziviswa

National Arts Council yeZimbabwe yakazivisiva avo vakadomwa kuva ivo vanotarisirwa kuwaniswa ruremekedzo rweNAMA mugore ra2020 nekuda kwekushanda zvakanaka muchikamu cheuvaranomwe. Zvinofadzawo zvakare kuti NAMA yapatsanura nduri kubva panganonyorwa. Kuwedzera ruremekedzo rwakangomirira vadavadi vanodavadika nekunyora mabhuku enduri kunofarirwa kwazvo. Zviri pasi ndiwo mamirire akaita vakadomwa mundima yeuvaranomwe. Chimwe chabuda zvakare ndechekuti vanyori vakawanda vava kuzviitira zvinhu zvavo sezvo vatsikisi vemabhuku vane mukurumbira vachiti ivo vakanangana nekutsikisa mabhuku ane chekuita nekudzidziswa kwevana muzvikoro zvichienderana nekuvandudzwa kuri pakati kuitwa mundima yekudzidziswa kwevana muzvikoro munyika yeZimbabwe. Kuzviitira uku kwaratidza kubudirira chose uye kwakaonekwawo kunyange mazuva akaitwa zviratidzwa zvemabhuku zveZimbabwe International Book Fair (ZIBF) apo mamwe emakambani makuru anotsikisa mabhuku akakundikana kuvepo pazvirongwa zvekuratidzira zvinyorwa izvi. Vanyori vanenge vari kutumira shoko rekuti zvino vangafushira zvinyorwa zvavo here, zvichiratidza zvekare kuti vari kuti vatsikisi vemabhuku tozosangana mberi. Izvi zvaita kuti kusimukewo mamwe emakambani madiki asina mukurumbira zvinova zvichajekesa ndima yeuvaranomwe munyika yeZimbabwe.

RUREMEKEDZO RWEUVARANOMWE (LITERARY ARTS AWARDS)

Nganonyorwa yekutanga yakaisvonakisisa (Outstanding First Creative Published Book)

Hatiponi by Oscar Gwiriri [Progressive Booksellers & Publishers]
A People’s Fight by Fradreck Hombiro [Hombiro Media Company]
Nharo Dzemusango by Chenjerai Mazambani [Bhabhu Books]
Special Mention
Ensukwini Zalamhla by Onesimo Mpofu [Onesimo Mpofu]
Bhuku renyaya yevana yakaisvonakisisa (Outstanding Children’s Book)

Songs of the Little Creatures by Phumulani Chipandambira [Chipandambira Archives]
Chitima Nditakure by Oscar Gwiriri [Progressive Booksellers & Publishers]
Kuku Wins the President’s Clean Environment Award by Aleck Kaposa [Essential Books Publishing Company]
Bhuku renganonyorwa rakaisvonakisisa (Outstanding Fiction Book)

Shasha Dzokurera by Marcilyn Mugariri [Marcilyn Mugariri]
Chasing the Wind by Phillip Chidavaenzi [Royalty Books]
Out of Darkness, Shining Light by Petina Gappah [Scribner]
Bhuku renduri rakaisvonakisisa (Outstanding Poetry Book)

Rhyme and Resistance by Stanley Mushava [Underclass books and Films]
Under My Skin by Prince Rayanne Chidzvondo [Prince Rayane Chidzvondo]
Agringanda Like a Gringa Like a Foreigner by Tariro Ndoro [Modjaji Books]
Special Mention
Nhambetambe by Phumulani Chipandamira [Chipandambira Archive]

Comments

Popular Posts