VeHarare vokurukura zvekuchengetedzwa kwemadapfanya

Tsime rakachengetedzwa pachivanhu rinowanikwa mumana maZifunzi kudunhu rekwaGutu kuMasvingo. 
Mufananidzo naTinashe Muchuri
Ndira wakauya akapera. Munyika yeZimbabwe mune nzvimbo zhinji dzinonzi madapfanya, matoro, madefe, madete, idzo dzinova dzinochengeta mvura inoshandiswa nevagari venharaunda zhinji uye dzinochengetedza upenyu hwezvipukanana nemhuka dzakawanda. Pano tinoona tsime rakachengetedzwa pachikare apo vanhu vaiziviswa kuti vasaitira tsvina kumatoro sezvo kuriko kwaiwanikwa mvura yekunwa. Iri tsime rinowanikwa kwaZifunzi kwaGutu uye rakachengeterwa namabwe asi rinowanisa vagari vekwaZifunzi kwaGutu mvura inonaka uye yakanaka. Mumwedzi wandira wondopeterwa sangano reHarare Wetlands Association yakaita musangano wayaidaidza kuti Wetlands Indaba uyo wakaitirwa paHarare Town House. Nyaya hombe yaichema nevazhinji vagari vemuHarare kuti mvura yasvibiswa neavo vanhu vanongogara zviri kunze kwehurongwa hweguta uye zvinopokana nemitemo yekuchengetedzwa kwematoro pemutemo wenyika nepasi rese.

Comments

Popular Posts