Ten Bush/Mumasango Gumi kuTheatre in the Park


Musi weChipiri mumwedzi waMbudzi apo vanhu vakaita mudungwe pamusuwo weTheatre in The Park kunge mombe dziri murukodoya pamariketi zvichinzi dzakakora dzipinde uye idzo dzisina manda dzidzokere kumbondofudzwazve kuti dzikore dzigozouyawo pamariketi mwaka unotevera. Vamwe vaoni vemitambo varikuita zvokukumbira kuti vabvumidzwe kupinda kunyange vasiri zvavo pahuwandu hwavanhu vanofanira kupinda kuti vaone mutambo uyu sezviyawo zvinoita muridzi wemombe inenge yakaonda asi kumba asiya kune nzara ine meno anenge mbadho dzavaroyi. Izvozvo vaida havo kuona mutambo uyo wakanyorwa nokutungamirwa nemunyori wekuSouth Africa, Mncedisi Tshabangu ukagotambwa navatambi vanoti, Caroline Mashingaidze, Getrude Munhamo, Nothando Nobengula, nevarume vatatu vatsva muTheatre in The Park vanoti Anthony Mazhetese, Vusa Dzimwasha naEddington Hatitongwe. Vatanhatu ava ndivo vanopa hupenyu kumutambo wokuedzesera unonzi Ten Bush uyu.
Apo vaoni vanopinda mudariro remutambo vanoshamiswa nemarongedzerwe akaitwa dariro awo avasati vajaira munzvimbo yeTheatre in The Park iyi. Vaoni vanga vajaira masofa, zvigaro nedzimba zvinenge zvakarongedzwa zvichiratidza panotangira nepanoperera dariro rinotambirwa mutambo. Zvino apa mhenderekedzo dzedariro rose dzizere netumapazi twemiti tune mashizha, zvituru, migoro yemvura, manwiwa, maranjisi, tsvimbo dzinenge tumaponda izvo zvakanyatsorongedzwa. Vaoni vanongoiti regai tione kunowira tsvimbo nedohwe. Vari mukati mekugaya ndipowo panopinda Martha apo anopiwa mhiko yekuti ape mwanasikana wake wekutanga sechibayiro chekutsipika midzimu yemuzinda weTen Bush iyo yainge ichishungurudza muzinda uyu. Dambudziko rinozova zvino pakuti Martha haana mbereko. Marha anobva ati kumuni’ina wake agare nemurume wake kuti agomubarira mwana wechibayiro uyu. Chaisaziviva Martha ndechekuti vaviri ava vainge vatova murudo kare uye vaipota vachisangana kure nemeso ake. Apo Martha anozozviti fembu, anobva arwisa munin’ina wake. Anomubvisa meso osara asisaoni. Anomudzingirira pamusha pake. Munin’ina waMarhta anondogara naAlbert uyo anovawo murume aimbova pedo namambo asi akazobviswapo nenyaya yekuti mudzimai wake ainge apomerwa huroyi ndokuuraiwa.  Zvisinei hazvo, munin’ina waMartha anozobara mwanasikana waanotumidza kuti Duduzile. Duduzile anokura achiriritirwa naAlbert. Apo Duduzile anotanga kutevera,  anobva atanga kufambidzana nemwanakomana waMambo weTen Bush. Munguva imweyo mambo vanenge vasisikunzwa zvakanaka pahutano hwavo. Martha anotevera Duduzile kwaAlbert kuti amutore amuite chibairo. Panoita kurwisana  apo Martha anenge achida kutora Duduzile. Nyaya iyi inosvitswa kwamambo. Zvakadaro hazvo Martha anobudirira kubaira Duduzile asi iye anobva apomerwa mhosva yehuroyi namambo mutsva anova akagara humambo mushure mekunge baba vake vashaya, uyozve anova ndiye aida kuroora Duduzile. Martha anourayiwa.
  Ten Bush mutambo wakagona kuburitsa pachena nyaya dzinogaroshungurudza vanhu vemuzendereka reAfrica. Izvi zvinoburitswa apo tsika namagariro avanhu vemuAfrica anokurukurwa nezvawo mumutambo uyu. Tsika yekubaira vana vasati vazvarwa vari vanasikana inonyanya kuitika chaizvo munyika dzomuAfrica. Vamwe vanasikana vanopiwa kuzvikwambo, vamwe kumadivisi, zvichingoenda zvakadaro. Zvinhu zvinova zvisina kunaka izvo zvinotsoropodzwa nemutambo Ten Bush. Mutambo uyu unokurukurawo nezvenyaya dzakaita sedzehuwori, hutsinye, undyire, hunyengeri izvo zvinoburitswa navatambi apo vanenge vachitamba mutambo uyu vachishandisa Siswathi nechiRungu. Izvowo zvandofunga kuti kudai vatambi avainge vakabvumirwa kushandisa mutauro wechiShona kana wesiNdebele kutsiva wesiSwathi zvaizonyatsobata vaoni zvakanyanya. Ndoona sekuti izvi zvaizoita kuti vatambi vave vakasununguka pakutamba mutambo uyu. Apa handisi kuti mutambo uyu hauna kubata vanhu, nokuti wakagona kuburitsa pachena kuti mutambo wekuedzesera hausi mashoko chete asi kutaura nezviito zvisina mazwi. Kunyange vaoni vainge vasina kujairira kuti mutambo unogona kuitirwa mudariro pasina kana mutambi umwe ambobuda kunze kwedariro kundochinja zvipfeko, zvisingakangaidzi kufambira mberi kwemutambo, vaoni vaigona kutevera mutambo wacho zvisina dambudziko. Kana iyo mimhanzi yaishandiswa kuratidza zviitiko zvemumutambo uyu yaiitikira mumeso avaoni. Mutambo uyu waigona kutoshandiswa semutambo wekuratidza vaoni magadzirirwe anoitwa mutambo wekuedzesera.
Mutambo uyu unoitikira mumuzinda weTen Bush munyika yeSwaziland. Panenge pachitambwa mutambo uyu muoni anopenengurirwa hupenyu hunoitika munyika zhinji dzepasi pano. Pane imwe nguva muoni anobva afungidziswa zvakaitika pakati paSarah naHagai. Neimwe nguva, kunyange nekusawirirana kuri pakati pemadzinza maviri aya kusvika parizvino. Izvo zvinozopa mubvunzo wekuti ndedzipi tsika mumagariro edu akare dzakafanira kutevedzwa uye idzo dzisina kufanira kutevedzwa mumugariro wedu wanhasi? Mutambo uyu uchange uchienderera mberi kusvika musi wa17 Mbudzi.

Comments

Popular Posts