Handina kunyarara

Rakauya shoko kubva kuna dombo
hezvo huya tikurukure
ini ndiko kudya kwaMutumwapavika
padare padombo godi nenguvana ndainge ndagara
miti ichiti nesuwo hatisari
huswa huripo huchitiitira kamuridzo kanenge kazevezeve
nyaya dzichitsva
shiri apo neapo dzichiita maungira
wanei nyaya kutapira hadzichabviri
saka hamawe musati ndakanyarara
ndirimuhurukuro nadombo
kana tapedza ndichauya nekudya
ndinoziva ukama igasva kunozadziswa nokudya sokuudzwa kwangu navakare
musazopotsa nzira muchirova matama ayo magungwa
kana kuwira muzvikanga zvenyama zvegore riya

Comments

Popular Posts