Zvawariramwa!

                                                        Zvawariramwa nhasi                                                         
kurifuratira ndakupa
iro riya rawaisigezera risati rakwata
zvaita sei?
kuramwa rawaiti kana wodya nemeso anopinduka
iro dikita richiva deuteu rwizi rwemuzhizha
kunge wariwana woda kuziya
zvaita sei?
kuramwa randakupa nemwoyo unoda
ndichiti waridya ugonazva neminwe
zvako zviya meso uchiita kutsinzinyira
kunge she vode kurigwa nehope padare
zvaita sei?
kundipa rushambwa rwakadai
dai tange tinembwa pano
kana zvake mukomana wekuseri
kana idzo huku hadzo ndadzikandira
dzarikachura, kuriomberera kana kurichohonya
zvino zvapasina ndoripa ani?


Comments

Popular Posts