Elizabeth Muchemwa uyo anozivikanwa nezita rekuti Zaza anoenda kuSpain

Zaza uyo achangobva kubagtidza mukufambiswa kwemitambo miviri yaAugust Strindberg inoti The Father/Baba naMiss Julie/Muzvare Julie iyo yakaitirwa kuReps Theatre kubva musi wa18  kusvika musi wa 23 Chikunguru 2012 pasi pamushandirapamwe weGlobal Arts Trust neComplete Arts Project, akasumuka kubva muHarare kuenda kuSpain musi weSvondo 8 Chikunguru kundova muzvidzidzo zvemitambo yekuedzesera zvinodaidzwa kuti Neumo Kinesia izvo zvichange zvichiitirwa muguta reVictoria kuSpain kubva musi wa9 kusvika musi wa18 Chikunguru 2012. Zvidzidzo zveneumo kminesia zvichange zvichipiwa kuvadavadi vanoita zvekuimba, kudzana pamwe nokuedzesera.
 Zaza anoti iye anofara zvikuru kuwana mukana wekundobatana navamwe vatambi vemitambo yekuyedzesera iyi kubva kunyika dzapasiyana muzendereka rose. 'Ndinovimba kuti ndichanosangana navamwe vadavadi kubva kune dzimwe nyika pasi rose, avo vachange vachibva kutsika namagariro akasiyana neangu. ndinovimba kuti kuchange kuchinakidza kwazvo pamwe nokudzidzisa uyewo uyu uchava mukana angu wekuziva zvitsva,' akadaro Zaza.
Akaenderera mberi achiti iye chakaita kuti anyorere kupinda muzvidzidzo izvi kwaiva kusati iye haazivi zvemitambo yekuedzesera iyi kana kuti iye ane ruzivo rwakawandisa nazvo asi kuti zvakakosha kudzidza zvitsva sekuti kudzidza hakuperi. Iyo nzira yekuita mitambo yekuedzesera iyi yeNeumo kinesia itsva yakatangwa nemumwe  nemumwe mubatadzi wezvemitambo yekuedzesera iyi wekuSpain. 'Nokudaro zvakanaka kuti ndiende ndindoona kuti vamwe vanozvifambisa sei mukuita mitambo munyika dzekwavo izvo zvandinogona kuzoshandisawo pamwe nekugoverana apo navamwe muno muZimbabwe apo ndichinge ndadzoka.'
Zaza anozivikanzwa nekuridza mbira iya yerudzi rweNyunga Nyunga apo anenge achiita madetembedzo ake anoti iye anofarira kudzidza zvitsva uye akasununguka kugashira mamwe maitirwo ezvinhu kutsva kunoita kuti avandudze maitire ake basa rake rehudavadi. Ichi chimwe chesakiso yekuenda kwake kuniyka yeSpain. Zaza uyo akawana mari yekufambisa nekubhadharira apo anozenge achigara kubva kuhomwe yeCulture Fund of Zimbabwe anoti iye, 'Ndinotenda Culture Fund of Zimbabwe nekundibatsira kuti rwendo urwu rubudirire nokuti kudai isiri iyo zvaizondiomera kutsvaka mari yekufambisa. Handizivi kuti ndaizoita mupemherei wemari yekufambisa iyi.'
Apo akabvunzwa kuti aizondosiyei kuSpain, Zaza anoti iye aizondosiya mweya wekutsungirira weZimbabwe pazvinhu zvose zvinoitwa navanhu pamwe nehuchenjeri hwevanhu vemunyika ino. Anopamhidzirazve achiti,  'Ndine kariro yekundoumba ukama navanhu vandichanosangana navo kuSpain avo vanobva kunyika dzakasiyanasiyana, uyewo ndine kariro yekuti vamwe vevadavadi ava vangaozokwanisawo kuuya kuZimbabwe kuenderera mberi nokugoverana zvidobi zvekuvandudza maitiro emitambo yekuedzesera iyi. Ndichataura pamusoro penyika yangu. Ndichaita kuti vose vandinosangana navo vazive nezveZimbabwe, zvose hazvo zvandichagona kutaura panguva diki yandichange ndiri kuSpain.
Zaza anopedzesera nekutenda chikwata chaanoshanda nacho paGlobal Arts Trust icho anoti chaimutsigira zvikuru pakuronga rwendo rwake rwekuSpain urwu. 
 

Comments

Popular Posts