Mhemberero dzezuva revanhukadzi oasi rose rakaitirwa paNational Gallery of Zimbabwe muHarare. Paiva navanhu vakawanda chose vakauya kuzonzwa nhaurwa navanachamangwiza mundima dzakasiyana-siyana dzinosanganisira zvekurima, zvemutemo nezvekufambiswa kwemabasa. Vanhukadzi navanhurume kubva kumishando yakasiyana-siyana vakaungana apa kuri vaite zvenzeve nemeso kwete kuzoita zvemuromo nekuti vaisada kuita kutautirwa hunyimwa.
 |
Zviratidzwa zvemabasa amadzimai airatidzwa nekutengeswa pachiitiko ichi. Mufananidzo naTinashe Muchuri 2017 |
 |
Vanhu vachishorera shavo dzevanhukadzi dzairatidzirwa pamwe nekushaviswa. Mufananidzo naTinashe Muchuri 2017 |
 |
Vagadziri veuchi vac hiratidzira huchi hwavo nekupa zvidzidzo pamusoro pekurima uchi. Mufananidzo naTinashe Muchuri |
2017
 |
Vamwe vaive vauya kuzoona mabasa pamwe nekuva pamutambo wemhemberero dzemadzimai idzi. Mufananidzo naTinashe Muchuri 2017 |
 |
Hope Masike achiratidzira mimhanzi yake pachiitiko ichi. Mufananidzo naTinashe Muchuri 2017 |
 |
Vamwe vevakaungana apa. Mufananidzo naTinashe Muchuri 2017 |
 |
Vachiona zvaiva zvanyorwa pabhakana navamwe vaiva pamutamo uyu. Mufananidzo naTinashe Muchuri 2017 |
 |
Sokostina aka Tendai Garwe achitungamira basa samuShamarari pazuva iri. Mufananidzo naTinashe Muchuri 2017 |
 |
Vamwe vekakuya |
 |
shuviro dzeruzhinji |
 |
Sekai Nzenza achitura nhaurwa yake. Mufananidzo naTinashe Muchuri 2017 |
 |
Bishow na Shingi Munyeza pazuva iri. Mufananidzo naTinashe Muchuri. 2017 |
Comments
Post a Comment