Wawacha

Pane nyaya inonetsa mumusha medu ndeyekuti wawacha uye kwakabva chirevo chekuti wawacha kana kuwachiswa. Nyaya yakauya nekuti varume vekare vaisawacha hanzu dzevana. Kana murume akawanikwa achiwacha hanzu dzevana aibva anzi wakafuratidzwa moyo kana kuti wakadyiwa. Nyaya iyoyo yaibva yakura zvokusvika pakusekwa navamwe varume nehama. Imwe nguva kutosvika pakunzi unofanirwa kurutsiswa kun'anga kana kuenda kuenda kuvaporofita apo vakazenge vauyawo. Nyaya iyoyi iri kunetsa kana nanhasi uno.

Pane chisingazivi varume chandakadurirwa nevamwe mbuya vandakagara pasi navo tichiseka. Kuseka kwacho ndakaita navo ndisati ndaziva kuti zvinotisvitsa kupi. Ndaitovawo zvangu chikomana chisati chave nemhuri. Ipapo mbuya vaya vakanditi ivo vanoda kuti ndizive chakakoshera kuwacha hanzu dzemwana dzinosanganisisa manapukeni ake.

Ndakarohwa nehana chose. Ndaisarohwa nehana sei ini ndakakudzwa nasekuru ndichiudzwa kuti murume haapfekedzi mwanasikana hanzu kana kumugeza chaiko. Kana mwana akaita tsvina mai vavo vasipo baba vaitomirira kuti mai vacho vauye kubva kwavaenda kuti vazogwadisa mwana. Chikonzero chiri chekuti hazvaiita kuti vamubvise hanzu. Zvino apa mbuya ndipo pavaiti ndinofanira kubvisa migwada yemwana.

Mbuya vakati izvi zvinoumba ukama hwakanaka nemwana. Kana usina kuzviita vana vanofarira mai vavo kudarika iwe. Kuwacha nekudaro kunounza ukama. Asi kuchikonzera kune vaya vasati vaziva kuti kuumba ukama kutaraukira kure newe. Kwanhasi tombomira pano, tozosimudzira mune ramangwana.

Comments

Popular Posts