unochemei?

kana ane muromo ataura, unochemei? kuti angava magaramoyo kana mavi aakanda kwauri here? ko chinokunetsa chii iye atozvitaura? kuzvidzwa kungakusiyisa rwendo rwako here iwo moyo wako wati mberi ndiko kwandiri kuda kuenda? hameno zvako zvaunochema nhema dzisina basa.
zuro waifara wani nhaiwe, uchizviti ndiwe muridzi wezvese? ko nhasi zvaendepi zviya zvako zvawaiva nazvo? ko zvawaimira uchiti une simba kudarika vamwe vose, rako asi riri pamuromo nhaiwe?
Hapana chamunoziva varevi venhema. Makandibvira kare ini ndinyerere zvangu, zvino nhasi handinyarari. handinyarari zvachose. Toona kuyakuya. Toonana kuyakuya. todawoka kutamba tsiva ine muridzi wenyere. Ndigoona mukazondiseka.

Comments

Popular Posts