Dzimbahwe Arts Festival: Chipo chitsva chandakaona

Dzimbabwe Arts Festival iyo yakaitika muna Gunyana pamazuva aiti 25 kusvika 29, yakapfuura hayo asi yakatiburira chipo chitsva. Chipo chitsva ichi chakabuda nomumwanasikana wechiXangani anodaidzwa nezita rekuti Ropafadzo Sibanda uyo anodetemba nerurimi rweXangani. Musikana uyu haaiti kumanikidzira kutaura nerumi rwaamai vake urwu, asi anoita zvokurusvisvina zvinoyevedza uye zvichitapira ruchibuda rwakatsetseka seupfu hwemudzurwa. Ropafadzo, uyo anoita rugwaro rwefomu yechitanhatu paAlpha Mpapa High School, anoti akatanga kuita izvi apo aive ari murugwaro rwefomu yetatu. Akazvitangira pazuva raipiwa vadzidzi vepachikoro chaanodzidza mibairo yekukunda muzvidzidzo zvavo.  Kubva ipapo Ropafadzo haana kuzotarisa shure. Akaramba achishingirira kudetemba nhetembo dzake nechiXangani, kusvika parizvino. 
Ropafadzo anoti anofara zvikuru kutaura mutauro weXangani  uye anodada nemutauro wake zvekuti anokurudzira vamwe avo vasingagoni kutaura mutauro wavo kudzidzira kutaura mutauro waamai vavo. "Ndinofara kutaura mutauro wangu uye ndinokurudzira vamwe vechidiki vakaita seni vanousiya vachiona semutauro usina basa kuti vautaure. Kana kuri kudetemba ndinotemba neXangani kunyanya, ndozongotiwo apo neapowo pandinozoita nechiRungu, kazhinji kacho ndinenge ndatokumbirwa." Ropafadzo akati kunyange zvake iye achitaura neXangani, ane chishuwo chokuzoonawo Xangani ichidzidziswa kusvika kuzvinhanho zvekufomu yetanhatu zvichidarika ichibva parizvino painodzidziswa kusvika parugwaro rweChina rwekupuraimari. Chimwe chinonakidza pamwanasikana uyu ndechokuti anogona kutaura Shona yakanaka isina chimende zvakare zvinomuita kuti ave munhu anogona kukurukura nyaya navanhu vakawanda.
Kugona kwaRopafadza kudetemba neXangani kwaita kuti aonekwe achidavadika pamitambo yakaita seXangani Arts Festival, Xangani cultural Gala, uyewo paDzimbahwe Arts Festival kekutanga kunova ndiko kwandakamuonerawo ini. Ndakanzwa kufara zvikuru kuona mwanasikana wechidiki akadai achisumudzira rurimi rwake. Kashoma mazuva ano kuona vechidiki vachidada nemutauro wavo. Vazhinji vavo vakugona chiRungu kudarika ndimi dzanamai vavo. Asi kana kune vamwe vakaita saRopafadzo vanoremekedzwa mazwi emururimi rwavo, zvinoita kuti ndimi idzi dzirambe dzichirarama dzisingafi.
Ropafadzo ndakamuona achiita kuti vanhu vakuru nevairemekedzwa musi waparurwa mutambo weDzimbahwe Arts Festival vasekerere nokunyevenuka zviso. Vamwe vandakaona vachirovera mwanasikana uyu maoko ndiMuzvinafundo Hebert chimhundu, VaElvas Mari, Chiremba Wefundo Jacob Mapara navamwe vainge vakakokwa kuzopa pakuparurwa kwemutambo uyu. Akaroverwa mavoko zvaityisa, ipapo aidavadika akapfeka nguva dzechiXangani dziya dzomutururikidzwa. Akadadisa mwana iye zviya zvokuti kana uri mubereki unonyemwerera nekupururudza kana kuridza muridzo uchiti ndewangu iyeye!
Mwanasikana uyu chidadiso chekwaanobva. Mukurukura naRoafadzo ndakasanganawo neanova maneja wake, Matatise Khesani. Matatise anoshanda nesangano reGaza Trust. Gaza Trust isangano rinoona nezvekusumudzirwa kwetsika namagariro evanhu vechiXangani nevechiVenda vari muZimbabwe nevari   kuSouth Africa. Sangano reGaza Trust rinoti iro harizivi migano inodimbura nyika mbiri idzi nokuti kwavari hapana mugano. Zvemuganho zvakazotouyawo navamwe vanhu kwavari asi ivo vanoda kuchengetedza nokutsvagurudza nhoroondo yemarudzi maviri aya kuitira kuti rudzi runouya rusazorasika asi ruwane ruzivo rwakajeka nezvemararamire emarudzi maviri aya.
Senzira yekuchengetedza tsika namagariro emarudzi maviri aya, veGaza Trust vanokurudzirawo zvekare zvekudavadika izvo zvinoitwa namwanasikana Ropafadzo Sibanda. tsika dzakadai dzinofanira kukurudzirwa kuitira kuti runako rwenyika yeZimbabwe runowanikwa mukusiyana nekudyidzana kwevanhu netsika dzavo kuunzewo vashanyi kubva kune mamwe matunhu enyika pamwe nekune dzimwe nyika kuti vazoona nokupembedza runako urwu. Zvinhuwo zvakare zvinozoita kuti vashanyi vazodzidzawo nezvetsika namagariro evanhu vechiXangani nechiVenda. Matatise anoti vanoda kuti kuvakwe Great Limpopo Heritage Centre iyo ichange ichichengetedza uvaranomwe hwetsvagurudzo yetsika namagariro amarudzi maviri aya.


Comments

Popular Posts