Muromo imhandara…!


Chii chapinda vanhu vekwangu? Ini ndinochishaya. Musi uno ndichifamba nambuhya vangu tichienda zvedu kundochera mbambaira kumunda kwavo ndakashamiswa kunzwa umwe murume achiti kuna mbuya vangu, ‘chembere muchirikudei mudhorobha, endai munogara kumusha!’ Mbuya vangu vakamira ndokutarira murume uya iye achitoseka zvake kunge ainge ataura zvinhu zvakanaka. Achiseka kudaro vakati kwaari, ‘nhai muzukuru ndakutadzisa kuitei mudhorobha?’ murume uya nokunyara haana kupindura.  Akabva atanga kufamba achienda.

Ini ndakazvishaira pazvo. Ko chii change chatadzwa nambuya vangu? Kukwegura here kwavainge vatadza? Kugara mudhorobha ivo vakwegura here kwavainge vatadza? Chii? Dhorobha nderevadiki here kana kuti kana kuti nderemunhu wese? Hapana akandipindura mibvunzo yose iyi. Uyu murume dai asina kuzokasira kungobva achienda asina kutaura neni ingadai ndakamubvunza mibvunzo yose iyi. Pamwe ndiye aizondiudza zera rakakodzera kugara mudhorobha.

Zvino ndasara nambuya vangu avo ndinofarira kuva navo nguva zhinji nokuda kwezvidzidzo zveupenyu zvakawanda zvavanonditambidza ndakavabvunza kuti murume uyu airevei chaizvo kwavari? Ivo ndokunnditi, ‘muzukuru, muromo imhandara unoda kushandirwa.’ Ndakashaya kuti mbuya vaita sei kufananidza muromo nemhandara. Asi pava paya ndichifamba ndakabva ndaona kuti zvechokwadi muromo imhandara unotoda kushandirwa kuti zviite zvakanaka. Mhandara sokuziva kwangu dzinodawoka tunonaka. Kana usina kutengera musikana zvinonaka mazuva ano, haugari nemusikana. Unoramba uchingova murume wekupfimba nekurambwa. Nokudaro kuti musikana arambe achifambidzana newe unofanira kumuitira tuya tunhu tunoita kuti arambe aripedyo newe. Ukasamutengera nguva yekutaura panhare, kumugadzirisa bvudzi, kumutsvagira mafuta erunako, nezvimwe zvinoenderana naikoko kugara anewe kashoma. Nokudaro kuti zvose izvi zvizadzisike, unofanira kutoshanda nesimba kuti agare akafara. Ukasazviita iwe anopedzesera atsvaga umwe anozadzisa pausingagoni iwe. Ndakabva ndaseka zvangu ndichifamba ndichienda nambuya vangu kunochera mbambaira kumunda.

Zvakadaro nyaya yekunzi chembere dziende kumusha haina kubva mundangariro dzangu. Chii chatinotadziswa nechembere kana dziri pakati pedu? Chii chadzinotirambidza kuita chinoita kuti tipedzesere toti isu havafaniri kugara muguta? Ko kana chembere iyoyo yatinoti idzokere kumusha ine zvinhu zvayo mudhorobha tinoda kuti izvisiire ani? Hazvisizvo here zvinoita kuti vamwe vedu vaite basa rokumirira hwashu dzomunhu akafa? Chinotadzisa kuti isu tirarame zvedu pamwe nechembere idzi tichiwana ruzivo rwekuvaka nyika yedu kubva kwadziri chii?

Kuramba chembere kuramba nhoroondo. Kuramba nhorondo kuuraya ramangwana rakanaka. Asina nhoroondo haana ramangwana. Musha usina chembere hauna chimiro. Chembere ndidzo durazivo remusha. Kudzidzinga tichidziisa kumusha kwatinoreva kumaruwa uko, ndiani anozondodziona kana dzavayo? Handiti kusada kubatsira chembere idzi nomufaro unoita kuti dzirambe dzichida kutifadza nokutipa mazano oupenyu? Kana yako chembere usingaidi, chirega kufurira vamwe kuti varase vakwegura vavo. Kune vamwe vanhu vanoda vakwegura vavo. Variko vanoremekedza vakwegura vavo. Iwe regera varemekedze vakwegura vavo. Kana vachida kuti vagare mudhorobha kusvika Nyadenga vavati chiuyai kumusha, vasiye vakadaro. Ini ndinodzida chembere nokuti ndidzo dzinopa gwara rakanaka roupenyu. Ngano ndinogoka kwadziri murudekaro. Hadzikendenge mukutaura, dzinoti bodyo ipapo chaipo patinotya kureva isu vadiki. Dzinoreva zvinhu namazita. Hadzinzvengi. Hamenowo iwe? Unodzida here kana kuti unoti dai zvachifa kunyange dzisingadyi kumba kwako.   

Comments

Popular Posts