Kunze kweHarare kunonaka: maguwerere ehudavadi mugore ra2016


Vachenjeri vekare vakati chitsva chiri murutsoka garo harina chitsva. Ko ukasafamba ungaonei kana kuzivei zvitsva. Mugore ra2016 ndakafamba ndichitsvaka kuziva zvitsva uye kutandadzwa nezvandaiona. Mukufamba kwangu handina kushaya zvakatora moyo wangu zvikandisimudzira uye zvikandipa zvidzidzo. Ndakavakurudzwa pamaonero angu uye mafungiro pamwe nemaitiro.
Chidzidzo chandakasangana nacho chikuru ndechokuti hudavadi hahuwanikwi muHarare chete. Hongu Harare ndiyo muzinda mukuru wenyika yeZimbabwe, uye munhu wese anomanyirako asi iye zvino yazarisa zvekuti hapachina chitsva chinoshamisa kuona kana kufadza chichiri muHarare. Kunze kweHarare kunonaka kudarika Harare. Muzipiro wekunze kweHarare unokusiya usisadi kugara muHarare uye wachenjera zvekuti panotaurwa nyaya dzehudavadi hauomereri nekubatirira pavadavadi vemuHarare saivo vega vanogona kutandadza vanhu.
Ndichatanga nekutaura nezvandakaona uye zvakanditora moyo kunze kweHarare.

Ndau Festival of the Arts (NDAFA)

Iri guwerere rehudavadi kwakanangana netsika nemugariro wevaNdau rinoitirwa kwasakavakaBangira munzvimbo yeChikore kwamutape Musikavanhu kudunhu reChipinge. Guwerere iri haribvi mumwoyo mangu. Ndava namakore matatu akatevekedzana ndichitapirirwa nekudzana kwavaNdau uye kudzidza zvimwe zvakati wandei. Chinofadza ndechekuti vanhu vedunhu iri vane kubatana kunoshamisa nekuti kunyange vave mugore rechina vachiita guwerere iri. Kubatana kwavanhu mukumutsiridza, kuchengetedza nekutambidza tsika namagariro kurudzi ruduku chinhu chinofadza.

Chivaraidze at NDAFA 2015
Ukasvika paPaiyapo Arts Centre unova ndiwo muzinda wekuchengetedzwa kwetsika namagariro evaNdau. Muzinda uyu haungori muzinda wezvivakwa bedzi asi musha une zvivakwa zvinoratidza unhu hwavaNdau. Gore rino ndakanyanyonakidzwa nezvivakwa zvitsva zvakaiswa panzvimbo iyi zvinosanganisira makurakura kana kuti nzvimbo yemahumbwe kana aya anonzi matakanana uko vaduku vavaNdau vanenge vachidzidzira muraramiro wevakuru vavo. Iyi ndiyo nzvimbo inokudzwa vana kuti vasanzvengana netsika nemagariro avo. Kana asina kumboita makurakura anenge akarasikirwa nekuti anenge ashaya kuvakwa kwakanaka.

Chimwe chakandibata itsime rakavakwa pachikare chekuisa matanda pamusoro paro. Mukuvakirirwa kwaro pakabva paiswa chivezwa chehove chinomirira mweya yemumvura iyo pahumunhu hwevaNdau nemamwe marudzi evanhu vemuAfurika inochengetedza masango kuti asaitirwa tsvina kusanganisira zvitubu zvemvura zvinozove matsime panoponera vanhu. Mweya yemumvura inosanganisira njuzu inova ndiyo inomukurumbira munyaya yekuchengetedza nharaunda nezviri mairi. Kuzoti pakaratidzirwa nzira dzekuvhima nadzo kuchishandiswa mambure ndakabva ndanzi mumoyo simudzire semunyori ari kunyora nganonyorwa inechekuita nenzira yekuvhima iyi. Kuzoti mitambo yechiNdau inosanganisira mhongo, muchongoyo nechokoto, aiwa kutaurirwa hunyimwa.
ZCC Junior Brass Band at NDAFA 2015
Ndakasanganawo nevakomana vechidiki vanova vadzidzi pachikoro cheMutendi High avo vanoitawo zvekudzana vachiridza mabhosvo seZCC Junior Brass Band. Ava ndakamboti kunun’unu kufunga zvangu ndichiti vanofanira kupiwa ruremekedzo rwekugona kunyera mudaririro zvinoyevedza vaoni zvekusimudzira mweya yavo uye kusvika pakuda kuti vasanyarara asi varambe vachiridza mabhosvo avo uye vachidzana mitovo yavo kusvika denga richiwa.

Gaza High  at NDAFA 2015 
Holland Dancing group at NDAFA 2015
Ava havasivo vega vandakaona apa. Chakanyanya kundisunungura moyo chishuviro chandaiva nacho chekuonana nekukurukura nemunhukadzi wekutanga kutsikisirwa novhero mururimi rweChiShona, Joyce simango. Kumuona kwandakaita kwakandiodza moyo apo shuviro yekuonana kwangu naye yaive yekuda kuziva kuti sei asina kuzotsikisirwa rimwezve novhero mushure mekutsikiswa kwaZviuya zviri mberi mugore ra1964. Mhinduro yandakapiwa yakandipa kufungisisa nenyaya yeStandard Shona. Simango akandiudza kuti zvimwe zvinyorwa zvake zviviri zvakarambwa mushure mekunge zvaonekwa sekuti zvaive zvakarerekera kuchiNdau. Izvi zvakamuodza moyo zvekuti haana kuzoita shungu nekunyorazve. Asi mushure mekukurukurazve nenyaya yekuti Bumbiro remutemo renyika yeZimbabwe rakatsaura Ndau semutauro kubva mumubatanidzwa weStandard Shona, Simamngo akati ava kundovakurudza nyaya zvinyogwa zvake kunyange izvo zvakarambwa aive asisina nekuti akazvishaira hanya kusvikira pakurasika kwazvo. Ndakazobva ndava netarisiro yezvitsva kubva kwaari.

Musapingura Traditional Group dancing to Chokoto at NDAFA 2015
Tiripo ipapo ndakabva ndasangana nemumwe Munyori mutsva ane shungu chose dzekusimudzirwa kwemutauro wechiNdau. Uyu ndiye mutungamiri wehurongwa hweguwerere reNDAFA anova iye Phillip Kusasa uyo anova mudzidzisi wechiRumbi pachikoro cheMafumhe Secondary uyezve ariye mutungamiri wePaiyapo Arts Centre iyo akavamba navamwe vake nevavariro yekuti chiNdau chisafe. Zvakadaro neshungu dzake akaburitsawo bhuku rake rezvinyayi rinodaidwa kuti Zvinayi Zviri Kanyi; Ngatiziye chiNdau Volume 1. Ko chakaipa chingava chii kana varidzi vemutauro vakamira zvakasimba kudzidzivirira kuparara kwemutauro wavo. Kufadza kwazvo zvichiitwa navaduku kuziva kuti kwasara vane zivo neshuviro yekuenderera mberi nemutauro.

School Children singing and playing Muchongoyo drum
Itwasa Arts Festival

Uku ndakasimbaradzwa zivo yangu yekuti kuBulawayo ndiko kumusha kwemitambo yekuedzesera upenyu pachikuva. Ndakaona vana vaduku vachiita mitambo yavaitora mumabuku ayo arikuitwa muzvikoro senzira yekuti azoshandiswa pakubvunza mibvunzo yeuvaranomwe mururimi rwechiRungu. Kunyangwe zvangu ndisina kunyanya kusungurwa nekuti mabhuku avaiedzesera aingova iwayo euvaranomwe hwechiRungu. Ndakazongofunga kuti zvichida vanovapa mari yekufambisa iri basa vanodawo kusimudzirwa kweuvaranomwe zvichienzaniswa nekusumudzirwa kweuvaranomwe hwesiNdebele.

Zzvakadaro hazvo haiwa, basa riri kubatwa sebasa.

Ndikovo kwandakaona kuti mutambo wekuedzesera unogona kuitwa pachikuva pasina kana midziyo yaiiswapo kuti vaoni vagutsikana mafambiro nenzvimbo dzinenge dzichiitikira mutambo uyu. The System ndiwo mutambo wakandigura kunorira apo vaoni vaiona dzimotokari, mapurisa, pfuti, misika, jeri, nedzimba idzo dzaisava pachikuva asi dzichiitwa kuti dzivepo nezviratidzo zvaiitwa navatambi vemutambo uyu.

Ndakaonawo kuti vakwegura havafanirwi kuendeswa kumisha yevakwegura mushure mekuona vakwegura vaisvika makumi maviri vachiita mutambo wekuedzesera vachishaindisa nziyo. Pavatambi paiva nemudzimai mukuru wavose aiva namakore makumi masere nematatu ekubarwa. Ungade chimwe chii ipo vanhu vakabatwa zvokuti chikuva chakatambanudzwa zvokuti vaoni vakanga vatovawo chipandi chechikuva uye vatambi vemutambo.


Roots Festival kwaMutoko. 

Iri guwerere rakavambwa mugore ra2016 ndokuvamba nekuunganidza vadavadi vemunzvimbo yekwaMutoko. Ko ndiyani azvifungira kuti paMutoko panorira ngoma dzinovivana netsotsa. Kwakava nemukana vadavadi vekwaMutoko vachisanganiswa nezvakwesha muhudavadi hwenziyo, madhirama nehwekundura nduri. Pakatambiwa, pakafariwa pamwe nekuvonesana gwara rakarungama rekufambisa zvehudavadi izvi.

Shasha dzinoti, Chirikure Chirikure, Albert Nyathi, Gary Tight nemukoki wavo Tendai Maduwa vakava nenguva yekubudisa zvipo maMutoko yakaisvonaka. Bindu remigwavha rakapoteredza Chakondoma Hall pamwe negomo reMurenje rakahwirira kutapira kwehudavadi hwemumusha weMutoko, hudetembwa pamwe nemadhirama ainge achiitwa apa.
Albert Nyathi achibatsira umwe muimbi wechidiki kutesvera hudavadi hwake


Vadavadi vedhirama vachivezwa nenzira yekunyemwerera

Kubva kurudyi; Gary Tight, naTendai Maduwa neumwe mugari wekwaMutoko vachikurukura nezveguwerere reRoots Arts Festival

Chirikure Chirikure naAlbert Nyathi vachitesva vadavadi vekwaMutoko.


Mudavadi wekwaMutoko achirova Zimdhanzi paChtitoko







Ngatisanganeyi mukutandadzana nekupana havi mundima yehudavadi mumwaka wa2017.





Comments

Popular Posts