Zuva ranhasi, Unity Day

Zuva ranhasi randifungisa kupera kwemakefiyu kumusha kwedu. Zve randifungisa nguva yakanaka yataiva tichiita apo taipoya kefiyu idzi tichienda kumugidhi kundotamba mutovo kubva richivira pakara kuedze kuti hwe-e. Randifungisazve kuti ndiro gore randakavamba Fomu hwani yangu paDekeza Secondary School apo paingove nemablock evadzidzi vaibvira paFomu yechipiri kusvika kune yechina. Isu tichidzidzira pasi paive pasina zvigaro pamwe nematafura. Taigara pamatanda akapataswa pazvipanda zvemamwe matanda. Chidziro chainyorerwa nevadzidzi chaive chakavakwa namabwe chiri pasi pemuchakata. hazvo takazopedzavo hedu gore topinda mumakirasi.
Ndiro gorewo randakabva pachikoro apa kwava kutiza ndichienda kwaRudhanda mushure mekunge ndapesana nemudzidzisi waindidzidzisa Accounts uyo akaronga nemumwe musikana kuti agotaura kuti ndaive ndichikovonera apo taive tichinyora vhunzo dzekotoro yechipiri. Ndakaita hasha zvokutukana nemudzidzisi uyu kusvika tapikirana kuti iye neni hataizova pachikoro ichi kana umwe aripo. Ndakabva ndaona kuti nekudai hazvaizoita kuti dzidzidze zvakanaka. Ndakabva ndabvapo.
Asi ndipo pakava nehwaro hweupenyu hwandava nahwo nhasi uno. Paiva nemumwe musikana ainzi Susan Baradze musikana aigona kuverenga Akafuratidzwa Moyo zvaibata moyo zvekuti waiti dai waramba uchiverenga, uchingoverenga uchiverenga kusvika zuva ravira nyeredzi dzabuda jenaguru rati jeeeeee vhenekerasvimborume yachenesa nzira dzesvimborume pamwe, kusvika naro gwararakurumbi rati jee apo dzimwe nyeredzi dzinopota dzichiti pazu tasa mviii pwati kuputika dzichinyangarika tichinyeperana kuti kune mambo vashaya, achingoverenga kusvika hweva yotungamira kubuda kwezuva kunze kuchichenanazve. Zvokwadi kunyange nanhasi ndinorizwa izwi rake achiverenga Akafuratidzwa Moyo. Apa mudzidzisi wedu weShona aiva nechifo chekukweva dzihwa.
Nhasi ndinodada nekuti kana muzendereka ndavawomo nemazwi eShona ano andiri kunyora aya. Zve kana ndikafamba handichatyi kuti dzinogona kuputika. Kana dzikaputika dziri munzira kuenda kuchipatara kana hama yatemwa nemhakure ugodii.
Ngazvibve mupepa zvipinde muvanhu zvekubatana izvi

Comments

Popular Posts