Mamwe emabhuku akatsikiswa mugore ra2016

Aya ndiwo mamwe emabhuku a2016. Mamwe emabhuku andakawana mukana wekuverengawo mumwaka uyu uyo wandinovimba kuti waiva mwaka wezvinyorwa zvenyaya fupi kunyange kune manovhero akabudawo nguva imwechete iyi.
Kune chirevo chinoti kuva Munyori kuverenga zvinyorwa zvavamwe uye iyo simbi inorodzwa neimwe simbi. Vachenjeri vekare vakareva kudaro. Kazhinji unonzwa zvichinzi vanyori vari kutangisa rwendo rwekuva vanyori havadi kuverenga zvinyorwa zvavamwe asi ivo vachida kuva vanyori.
Vachenjeri vakare voti kugara nhaka huona dzavamwe. Zvino kana ukasaona kuti vamwe vanonyora sei ungakwanisa kuvamba nzira yakowo here? Zvandifungisa tichiri kukura apo taisvika panguva yekugocha chibage kana kuti zviya kana chibage chaibva. Wainzwa zvichinzi semwana mudiki haugoni kuzvigadzirira nzira yekuenda kwasekuru vako saka munhu mukuru wava muzivi wenzira iyi aibva akuvambira nzira yekuenda kwasekuru vako.
Ini semunyori ndinotoravawo zvavamwe zvinyorwa kuti ndiwane pekutsika rwangu rutsoka pasina kutsikwa kana kuti ndipedzise rwendo rwakasiiwa panzira nevakatanga kurufamba kana kuti ndipamhamise nzira yakavambwa navamwe kana kuti ndipfumbidze nzira yakavambwa navamwe vamwe vanotevera vangozowana mafambire pasina kutya zvitsiga.
Ini ndakatanga kuverenga kare zvikuru nanhasi handisiyi kuverenga nekuti kunondipa manyukunyuku zvekuti ndinozadzwa nesimba rekuramba ndichiturunura zvanguvo zvinyorwa kuti zvigoverengwa navamwe vachauya nevaripo.
Tingava chii kana tikasasiya mwazha wekuti vamwe vafambe nawo uye kana tikasatevera mwazha wakafambwa navamwe tichiona pavakawa kuti tiwane kusosera ruzhowa kuitira kuti tisawira pakawira vekutanga uye kuti tisumudzire pakasiirwa nevekutanga.
Pamabhuku matanhatu aya maviri akasangana neziso rangu semupepeti rimwe rikasangana neruoko rwangu semunyori uye mamwe matatu ndeevamwe andakaverenga kekutanga.
Maonero angu anoratidza kuti nyaya fupi dzichamisa mureza parururemekedzo rweNAMA mugore ra2017. Chekutanga ndechekuti pachikamu cheruremekedzo rwevanyori vatsikisa bhuku rekutanga rweOutstanding First Creative Published Works pachatatsuranwa zvakasimba asi iro gore rinotevera iri bhuku raFarai Mungoshi rinova renyaya fupi rinokaroshupa ipapa uye ndinoona chikamu ichi chichipinda vanhurume avo vainge vachipotsana nacho kwemakore maviri adarika apo paiwanikwa pane vanhukadzi. Mugore ra2015 paiva nevanyori vaiti, Cynthia Marangwanda, Ropofadzo Mupunga na………., Cynthia Marangwanda akatakura ruremekedzo urwu uye mugore ra2016 kwaiva naShumirai Nhanhanga, Samantha Chihuri naTshengina Ndlovu apa Samantha Chihuri akatakura ruremekedzo rwacho.
Pachikamu chebhuku reuvaranomwe rakazunguza kudarika mamwe panenge pachapisana nyaya fupi nenduri mabhuku akaita anoti, Hodzeko rakapepetwa naMunyaradzi Gunduza, Makore asina Mvura rakapepetwa naIgnatius Mabasa, Rotten Row rakanyorwa naPetina Gappah, Later Rain rakanyorwa naPhillip Chidavaenzi, naTales from the Kombi  rakanyorwa naSpiwe Mahachi-Harper. Apa panenge pachadzokorora vamwe vanyori vaviri vaive vari pane avo vaive vaiswa pachidanho chepamusoro chekuwaniswa ruremekedzo muchikamu chino vanoti Petina Gappah naPhillip Chidavaenzi. Pachikamu ichochi ndipowo panogona kushamisa vazhinji Stanely Mushava neSurvivors CafĂ©.
Tombomira pano. Muchinyorwa chinotevera tinenge tonangana nebhuku rimwe nerimwe nemasimba aro semuravi akava nenguva yakanaka.

© Tinashe Muchuri 2016









Comments

  1. Chokwadi gore rapera ranga rakagukuchira nezvinyorwa kubva kuvanyori vakasiyana-siyana.Ini hangu sechana cheMasvingo ndinonzwa moyo wangu kudokwairira kubata Makore asina Mvura naHodzeko yeNduri.

    ReplyDelete

Post a Comment

Popular Posts