Idya zvodyavo vamwe

wakaita mambunga nechikara kushva neshungu yekukudza buri
meno acho akanyura mumunyepfu kunge emhungu anyudurukiramo
sarei wanyechuka mavanga mukati ropa rovhinza
mukore uno wasiyana newekare weguchu
wanhasi kuasimha mapiritsi amarudzi nekuakabira
idyawo zvodya vamwe
zvokugumigwa pazhira gwendo gwevupenyu dzava ngano
zvokutambidza vapwere pakuzvara zvakapfuvura
kana zvokuparadzira pakusangana hakuchina
idngodya zvodyavo vamwe
kwete kuti uputike wega wega
idyavo zvodya vamwe!

Comments

Popular Posts