Ndafunga Dembo


Pane nguva muupenyu yaunorangarira mashoko mamwe anokupa kufungisisa nezveupenyu. Mashoko okuti kana wqapedza kufunga nezvawo unobva wazvibvunza mibvunzo mizhinji imwe yacho isina mhinduro. Nhasi ndafunga mupebvu Leonard Musorowenyoka Dembo, baba vaMorgan. Pane mashoko akadzama avakaimba parumbo rwavo apo vaiti, “zvinonetsa zveupenyu izvi  hama. Hapana anogona nokugadzirira nguva iripo. Zvimwe unotosiya zvakadaro.”
Ndipo paya ndagaya zvangu munhu uchitoita godo neumwe nenyaya yekuti iye abudirirei, dai uriwe wakabudirira. Pamwe kutoseka murombo wenhehwe chena uchiti uchiti anozviitisa kuva murombo. Nyangwe paya paunogara pasi zuva richitanga, mwedzi uchitanga kana gore richitanga uchironga zvaunoda kuzadzisa mukati megore. Nguva zhinji wozvituka kuti ko chii chandaita. Kudai ndakadai ndikazodai indadai zvakadai. Vouchenjeri vozokuudza kuti dai kufunga kwebenzi. Asi mukoma Dembo vokuudza kuti, “Zvinonetsa zveupenyu izvi hama. Hapana anogona nokugadzirira nguva iripo. Zvimwe unotosiya zvakadaro.”
Zvingani zvandinoronga pazuva zvikabuda sokuda kwangu? Zvimwe zvacho handina simba rokuzvizadzisa kuti zviitike. Miripo mingani yebasa rawakaita hama yangu rawakamirira kuti uwane asi isingauyi? Imhosva ngani dzawakapara dzisati dzaripwa? Imhosva ngani dzawakaparirwa dzawakamirira kuripwa? Vangani vawakapa moyo norutendo dzokono havo nemoyo wako muninzwa, rukato namamvondwe kunde? Zvino moyo wako zvawadaro kuva namaburi namadhaka anoda kugezwa, imwe nguva unosiya nyika ino usina kupedza madaka. Sarai zvatobatirira kurudzi runosara. Imwe nguva unosiya mhosva dzisina kuripwa, sarai vapenyu vodya zvavo. Imwe nguva unosiya miripo yako isati yauya, sarei vapenyu vorarama ndiyo.
Mukoma Dembo vabata moyo wangu. Zvinonetsa zveupenyu izvi. Imwe nguva unosiya vana vako vasingazivi dzinza ravo, kana rombo rakanaka rikavawkira votozosvika pamusha pako musi wenhamo yako. Imwe nguva unotosiya vasingazivi zvachose uchiti unoda kupfidzisa mai vakatumbura kana baba vavo vakakukandira murufuse. Iye uya wawaisatsikira pamba ndiye hoyo wopinda newe mubwiro. Iye uya waisada kutaura nahye ndiye hoyo wopiwa svutu yako iya yokutengwa nemwana ari mhiri kwamakungwa. Iwe kuti uchiti aiwa nhingi musamupa svutu iyo hazvichaita. Zvinonetsa zvoupenyu hama.
Muimbi uyu aigona kuimba zvekubatanidza mhuri zvokuti munhu anodzamisa pfungwa anobva aita munhu. Ndamboda kunyarara asi panhamo apa ndipo pandaona kuti haisarure chokwadi. Chete kune vamwe inosvika zvirinani asi ndiwo mararamire edu. Kudai paive pane munhu asina nhamo panyika pano munhu wese angadai asingashande. Chinotipa kushanda ndiyoka nhamo yatinoda kupfuudza mukurarama kwedu. Ndipowo pandinobva ndabatwa namashoko amukoma Dembo apo vanoti, “Nhamo upenyu hwedu vatema nevachena nhamo haisarure.” 
Nguva zhinji vamwene nemuroora vanonzi vanogara vasingaonani. Asiwo mukoma wangu Dembo akandipa mashoko anoti ndikaarangarira ndobva ndaona unyanzvi hwechipo chaiva pavari. Vanoimba zvavo vachiti, “Vamwene nemuroora ndapota, endai mese vhuserere. Mugochengeta mhuri zvakanaka, engai mese vhuserere.”
Zvino kana watadzirwa nemumwe munhu unofanira kuita sei? Mukore uno unoona kana vakaroorana vatadzirana vachifunga zvokutosvika pakupondana nekuponda vana vasina mhosva. Mukoma wangu Dembo ndipo pavanouya vachiti, “Mutadzi ngaaregererwe.” Vanganiwo vawakati akutadzira womuregerera? Mwari vanoda vanhu vanoregererana. Nhasi ndafunga mukoma wangu Dembo namazwi avo anoudzamu.
AVo vari pamabasa havana kukanganikwa. Muimbi uyu aida kuti vanhu vagare murunyararo. Vashandi vashande murunyararo. Kana navadzidzi vadzidze murunyararo. Ndikowozve akazoimba achiti, “zvaunotuka ticha varivo vanokupa ruzivo, ko payunivhesiti unozopasvika Seiko? Zvaunotuka manager varipo vanokupa mari, ko mhuri unozoichengeta neiko?” Chokwadi murume aive nemazwi ane udzamu. Mazwi akanaka. Mazwi okuvaka mhuri. Mazwi okuvaka nyika. Mazvei azere neuchenjeri. 

Comments

Popular Posts