Munamato webenzi

Nyika yakanaka
Ndinokumbira Mwari
Nyika yakanaka.

Nyika isina nhubu
Nyika isina mbavha
Nyika isina nyangadzi
Nyka isina uwori

Nyika yakanaka
Ndinokumbira Mwari
Nyika yakanaka.

Nyika ine mutungamiriro wakanaka
Nyika ine murongero wakanaka
Nyika ine maitiro wakanaka
Nyika ine mubatiro wakanaka

Nyika yakanaka
Ndinokumbira Mwari
Nyika yakanaka.

Nyika isina mhondi
Nyika isina vadzvanyiriri
Nyika isina vasuwisi
Nyika isina vasaruri

Nyika yakanaka
Ndinokumbira Mwari
Nyika yakanaka.

Nyika izere nomufaro
Nyika izere norugare
Nyika izere nokuguta
Nyika izere noupfumi hwakarongeka

Nyika yakanaka
Ndinokumbira Mwari
Nyika yakanaka.

Nyika isina mabhinya
Nyika isina nhunzvatunzva
Nyika isina nhundiramumatsime
Nyika isina voutsinye

Nyika yakanaka
Ndinokumbira Mwari
Nyika yakanaka.

Nyika ine kubatana
Nyika ine kuwirirana
Nyika ine mapanganwa
Nyika ine mushandirapamwe

Nyika yakanaka
Ndinokumbira Mwari
Nyika yakanaka.

Nyika isna nhamo
Nyika isina zhara
Nyika isina umbimbindoga
Nyika isina dongawatonga.

Nyika yakanaka
Ndinokumbira Mwari
Nyika yakanaka.

Nyika yakasununguka
Nyika ine rusununguko kuvagari vayo
Nyika ine kuzvitongo kuzere
Nyika ino remekedza vagari vayo.

Nyika yakanaka
Ndinokumbira Mwari
Nyika yakanaka.

Nyika isina mhirizhonga
Nyika isina chidzvikidzviki
Nyika isina kutyisidzirana
Nyika isina kupondana

Nyika yakanaka
Ndinokumbira Mwari
Nyika yakana.

Nyika ine matare anotonga zvakaenzana
Nyika ine kufamba kwamashoko kwakaringana
Nyika ine kufambidzana kwavanhu kwakanaka
Nyika ine kufamba kwavagari kwakasununguka

Nyika yakanaka
Ndinokumbira Mwari
Nyika yakanaka.

Nyika isina makakatanwa
Nyika isina zvimbwasungata
Nyika isina kutya
Nyika isina kutsutsumwa

Nyika yakanaka
Ndinokumbira Mwari
Nyika yakanaka.

Nyika ine hutano hwakanaka
Nyika ine kudzidza kwapamusoro
Nyika ine tsika nohunhu zvakanaka
Nyika inosumudzira tsika nohunhu hwakanaka

Nyika yakanaka
Ndinokumbira Mwari
Nyika yakanaka.

Nyika isina mharadza upfumi
Nyika isina mhambi
Nyika isina vabvuti vezvavamwe
Nyika isina mhondavaranda

Nyika yakanaka
Ndinokumbira Mwari
Nyika yakanaka.

Nyika ine vagari vakaenzana pamutemo
Nyika inoremekedza vakaremara, vana, madzimai navakwegura
Nyika ine mugariro unoyemurika
Nyika inoremekedza mhuri

Nyika yakanaka
Ndinokumbira Mwari
Nyika yakanaka.

Comments

Popular Posts